Psalms 18

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva mumaoko avavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. Akati:

1Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu.

2Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu;
Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari.
Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.
3Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa,
uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.

4Mabote orufu akandipinganidza;
mvura zhinji inoparadza yakandifukidza.
5Mabote eguva akandimonera;
misungo yorufu yakanangana neni.
6Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;
ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe.
Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake;
kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake.

7Nyika yakadedera ikadengenyeka,
uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika;
8Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake;
moto unoparadza wakabuda mumuromo make,
mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta.
9Akatsemura matenga akauya pasi;
makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.
10Akatasva makerubhi akabhururuka;
akabhururuka pamapapiro emhepo.
11Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza,
iwo makore matema emvura okudenga.
12Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba,
nechimvuramabwe nokupenya kwemheni.
13Jehovha akatinhira kudenga;
inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika.
14Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake,
kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa.
15Mipata yegungwa yakaiswa pachena,
uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachena
pakutuka kwenyu, imi Jehovha,
nokufema kwemhino dzenyu.

16Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora;
akandibudisa pamvura zhinji yakadzika.
17Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba,
kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri.
18Vakandinanga pazuva renjodzi yangu,
asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
19Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana;
akandinunura nokuti akanga achindifarira.

20Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu;
nokuchena kwamaoko angu.
21Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;
handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu.
22Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;
handina kutsauka pazvirevo zvake.
23Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake,
uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi.
24Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu,
zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.

25Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu,
kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,
26kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu,
asi kuna vakatsauka munoratidza hasha dzenyu.
27Munoponesa vanozvininipisa,
asi muchideredza vane meso anozvikudza.
28Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta;
Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza.
29Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo;
naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.

30Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana;
shoko raJehovha harina charingapomerwa.
Ndiye nhoo
yavose vanovanda maari.
31Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha?
Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
32NdiMwari anondishongedza nesimba
uye anokwanisa nzira yangu.
33Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo;
anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.
34Anodzidzisa maoko angu kurwa;
maoko angu anowembura uta hwendarira.
35Munondipa nhoo yenyu yokukunda,
uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira;
munokotama pasi kuti mundiite mukuru.
36Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu,
kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.

37Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata;
handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa.
38Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka;
vakawira pasi petsoka dzangu.
39Makandishongedza nesimba rokurwa;
makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu.
40Makaita kuti vavengi vangu vatize,
uye ndakaparadza vavengi vangu.
41Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa,
kunyange kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
42Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo;
ndakavadururira pasi sedope renzira dzomumusha.

43Makandirwira pakurwisa kwavanhu;
makandiita musoro wendudzi;
vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu.
44Pavanongondinzwa, vanonditeerera;
vatorwa vanokotama pamberi pangu.
45Vose vanoora mwoyo;
vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera.

46Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe!
Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu!
47Ndiye Mwari anonditsivira,
anoisa ndudzi pasi pangu,
48anondiponesa pavavengi vangu.
Makandisimudzira pamusoro pavavengi vangu.
Makandinunura kubva kuvanhu vechisimba.
49Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pendudzi, imi Jehovha;
ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza.
50Anopa mambo wake kukunda kukuru;
anoratidza unyoro hwake husingaperi kumuzodziwa wake,
kuna Dhavhidhi nokuvana vake nokusingaperi.
Copyright information for SnaBDSC